Zvino akapindura akati, Kuti mutadzi here kana kuti kwete, handingazivi: asi chimwe chete chandinoziva ndechekuti, ndanga ndiri bofu asi zvino ndaoneswa.@Johane 9:25
portrait
John Newton (1725–1807)

John Newton, 1779 (Amazing Grace); .

Virginia Harmony, 1831 (🔊 pdf nwc).

Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandiponesa.
Ndakange ndisingaone
Zvino ndaoneswa.

Tsitsi dzinondishamisa
Dzakandishingisa.
Ngetsitsi dzake ndasukwa
Zvino ndaponeswa.

Mudambudzo repanyika
Ndine Mugondeki.
Ndichazofamba kuenda
Kum’soro kudenga.

Ishe wakanditsidzira
Rufaro kudenga.
Jehova ndiye M’chingeti
Muupenyu hwepasi.